Psalms 81

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo egititi. Pisarema raAsafi.

1Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu;
danidzirai kuna Mwari waJakobho!
2Vambai rwiyo, muridze tambureni,
ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa.

3Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi,
uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu;
4ichi ndicho chirevo chaIsraeri,
chakatarwa naMwari waJakobho.
5Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa
panguva yaakandorwa neIjipiti,
uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.

6Iye anoti, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo;
maoko avo akasunungurwa padengu.
7Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura,
ndakakupindura ndiri mugore rokutinhira;
ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha. Sera

8“Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai,
kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!
9Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa,
musapfugamira mwari wokumwe.
10Ndini Jehovha Mwari wako,
akakubudisa kubva munyika yeIjipiti.
Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.

11“Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa,
Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu.
12Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo,
kuti vatevere mano avo.

13“Kana vanhu vangu vakada kunditeerera,
kana Israeri akada kutevera nzira dzangu,
14ndaikurumidza kukunda sei vavengi
vavo nokurova vavengi vavo noruoko rwangu!
15Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake,
uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi.
16Asi imi muchagutswa nezviyo zvakaisvonaka;
uye ndichakugutsai nouchi hunobva padombo.”
Copyright information for SnaBDSC